Ruka 23:26-29
Ruka 23:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza. Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu. Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’
Ruka 23:26-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu. Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema. Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu; nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’
Ruka 23:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvavakanga vachimutungamidza, vakabata Simoni wekuKurini aibva kuruwa vakamutakudza muchinjikwa uya mumashure maJesu. Akateverwa negurusvusvu ravanhu namadzimai vachiridza mhere vachimuchema. Jesu akatendeukira kwavari akavati, “Vakunda veJerusaremu musandicheme ini; asi zvichemei imi navana venyu. Tarirai mazuva ari kuuya pavachati vakakomborerwa zvavo vasina mbereko nemimba dzisina kumbobereka namazamu asina kumboyamwisa.
Ruka 23:26-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋacienda naye, ʋakaɓata mumŋe, wainzi Simoni weKurini, acibva kuruwa, ʋakaisa mucinjikwa pamsoro pake, kuti autakure shure kwaJesu. Akateʋerwa naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, naʋakadzi ʋaimuririra nokumucema. Asi Jesu wakatendeʋukira kwaʋari, akati: Ʋakunda ʋeJerusarema, musandicema ini, asi muɀiceme imi naʋana ʋenyu; nokuti tarirai, mazuʋa anoʋuya, aʋacati: Ʋakaropafadzwa ʋasiŋgaponi, neɀiɀaro ɀisinakutoŋgoɓereka, namazamu asina‐kumŋisa.
Ruka 23:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)