Ruka 22:31-34
Ruka 22:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.” Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.” Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”

Ruka 22:31-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Simoni! Simoni! Tarira Satani akakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.” Akati kwaari, “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.” Akati, “Petirosi, ndinoti kwauri, nhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu uchiti haundizivi.”
Ruka 22:31-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni. Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.” Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.” Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.”
Ruka 22:31-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi.
Ruka 22:31-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)