Ruka 22:14-16
Ruka 22:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”
Ruka 22:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navapostori. Akati kwavari, “Ndakanga ndichida zvikuru kudya Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyi, kusvikira yaitika muushe hwaMwari.”
Ruka 22:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.”
Ruka 22:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora. Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari.
Ruka 22:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)