Ruka 21:25-28
Ruka 21:25-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa. Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa. Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru. Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”
Ruka 21:25-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba nokubwinya kukuru. Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.”
Ruka 21:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kuchava nezviratidzo kuzuva nokumwedzi nokunyenyedzi. Panyika pachava nokutambura kwamarudzi; vachashaiswa mazano nokutinhira kwegungwa namasaisai. Vanhu zvichavapedza simba nokutya nokufunga zvichavawira panyika nokuti masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba nembiri huru. Zvino kana izvozvo zvoitika, tarirai kudenga musimudze musoro nokuti kununurwa kwenyu kunenge kwava pedyo.”
Ruka 21:25-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀiratidzo ɀicaʋa’po pazuʋa napamŋedzi, napanyeredzi; napanyika ʋurombo bgaʋanhu, ʋacikaŋganiswa nokutinhira kweguŋgwa namafuŋgu; ʋanhu ʋacapera nokutya nokutarira ɀinowira nyika; nokuti masimba okuɗeŋga acaɗeŋgenyeka. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya negore, nesimba rokubginya kukuru. Asi kana iɀoɀi ɀicitaŋga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunuŋgurwa kwenyu kwasweɗera.
Ruka 21:25-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)