Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 20:27-47 - Compare All Versions

Ruka 20:27-47 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana. Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana. Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana. Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana. Pakupedzisira, mukadzi akafawo. Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?” Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.” Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!” Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’ Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 20 BDSC

Ruka 20:27-47 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino vamwe vaSadhusi, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakauya kwaari, vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asina vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino, kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana; nowechipiri; nowechitatu akamutorawo; nokudaro navanomwe vose, vakasasiya vana, vakafa. Pashure mukadzi akafawo. Zvino pakumuka achava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.” Jesu akati kwavari, “Vanakomana venyika ino vanowana, uye vanowaniswa; asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, uye havawaniswi. Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vana vaMwari zvavari vana vokumuka. Naiye Mosesiwo akaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati, ‘Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.’ “Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.” Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati, “Mudzidzisi, mataura zvakanaka.” Nokuti vakanga vachitya kuzomubvunza chinhu. Zvino akati kwavari, “Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDhavhidhi? Nokuti Dhavhidhi akareva amene mubhuku yaMapisarema, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo, Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe,’ zvino angagova Mwanakomana wake seiko?” Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nougaro hwapamberi pamitambo; vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita manomano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuurisa.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 20 SNA2002

Ruka 20:27-47 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋamŋe ʋaSaduse, iʋo ʋanoramba kumuka kwaʋakafa ʋaciti hakuna, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinaʋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. Ɀino, kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana; nowecipiri; nowecitatu akamutora; nokuɗaro naʋanomŋe ʋose, ʋakasasiya ʋana, ʋakafa. Pashure mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. Jesu akati kwaʋari: Ʋanakomana ʋenyika ino ʋanowana, ʋuye ʋanowaniswa; asi aʋo ʋacanzi naMŋari ʋakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwaʋakafa, haʋawani, ʋuye haʋawaniswi. Nokuti haʋazofi ɀe; nokuti ʋacaenzana naʋatumŋa; ʋaʋa ʋanakomana ʋaMŋari ɀaʋari ʋanakomana ʋokumuka. Naiye Mosesi ʋo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti ʋakafa ʋanomutswa ɀe, paakati Ishe ndiye Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Ɀino Mŋari haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; nokuti ʋose ʋapenyu kwaari. Ipapo ʋamŋe ʋanyori ʋakamupindura, ʋakati: Mudzidzisi, mataura ɀakanaka. Nokuti ʋakaŋga ʋacitya kuzomubvunza cinhu. Ɀino akati kwaʋari: Ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye Mŋanakomana waDavidi? Nokuti Davidi wakareʋa amene mubuku yaMapisarema, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Naiɀoɀo, Davidi unomuidza Ishe, ɀino uŋgagoʋa Mŋanakomana wake seiko? Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo; ʋanoparadza dzimba dzecirikadzi, ʋaciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; iʋaʋo ʋacatoŋgerwa ɀakaipa ɀinopfuʋurisa.

Pakurirana nevamwe
Ruka 20 SUB1949

Ruka 20:27-47 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kwakauya kwaari vaSadhusei, vaya vanoti hapana zvokumuka kwavakafa. Vakabvunza Jesu mubvunzo vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa iye ane mudzimai asi pasina vana, munun'una wake anofanira kutora mudzimai agoberekera mukoma wake vana.’ Zvino, paiva navanhu vaiva mukomanomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora mudzimai akafa asina vana. Wechipiri newechitatu vakamutorawo, ndizvo zvimwechete navose vari vanomwe, havana kusiya vana. Mushure macho, mudzimai uya akazofawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mudzimai waani nokuti vose vari vanomwe akava mudzimai wavo?” Jesu akati kwavari, “Vanhu varizvino vanoroora uye vanoroorwa. Asi avo vanokodzera kusvika mune ramangwana uye pakumuka kwavakafa, havazoroori kana kuroorwa nokuti havachafazve pamusana pokuti vanenge vaita savatumwa uye vanenge vava vana vaMwari uye vanenge vava vanhu vokumuka kuvafi. Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho. Zvino haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu nokuti kwaari vose vapenyu.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakapindura dzichiti, “Mudzidzisi mataura zvakanaka.” Havana kuzoita chivindi chokumubvunza mumwe mubvunzo. Jesu akati kwavari, “Nhai imi, ko vanhu vanoti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi seiko?’ Inga iye Dhavhidhi pachake mubhuku renziyo anoti, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita mhandu dzako chitambarariko chetsoka dzako.’ ” Dhavhidhi anomuti, “Tenzi saizvozvi, ko anogova mwana wake sei?” Jesu akataurira vadzidzi vake, vanhu vose vachinzwa. Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi; uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesa.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 20 SCLB

Ruka 20:27-47 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ruka 20 SCLBD