Ruka 20:27-38
Ruka 20:27-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana. Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana. Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana. Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana. Pakupedzisira, mukadzi akafawo. Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?” Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”
Ruka 20:27-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vamwe vaSadhusi, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakauya kwaari, vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asina vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino, kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana; nowechipiri; nowechitatu akamutorawo; nokudaro navanomwe vose, vakasasiya vana, vakafa. Pashure mukadzi akafawo. Zvino pakumuka achava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.” Jesu akati kwavari, “Vanakomana venyika ino vanowana, uye vanowaniswa; asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, uye havawaniswi. Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vana vaMwari zvavari vana vokumuka. Naiye Mosesiwo akaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati, ‘Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.’ “Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.”
Ruka 20:27-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakauya kwaari vaSadhusei, vaya vanoti hapana zvokumuka kwavakafa. Vakabvunza Jesu mubvunzo vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa iye ane mudzimai asi pasina vana, munun'una wake anofanira kutora mudzimai agoberekera mukoma wake vana.’ Zvino, paiva navanhu vaiva mukomanomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora mudzimai akafa asina vana. Wechipiri newechitatu vakamutorawo, ndizvo zvimwechete navose vari vanomwe, havana kusiya vana. Mushure macho, mudzimai uya akazofawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mudzimai waani nokuti vose vari vanomwe akava mudzimai wavo?” Jesu akati kwavari, “Vanhu varizvino vanoroora uye vanoroorwa. Asi avo vanokodzera kusvika mune ramangwana uye pakumuka kwavakafa, havazoroori kana kuroorwa nokuti havachafazve pamusana pokuti vanenge vaita savatumwa uye vanenge vava vana vaMwari uye vanenge vava vanhu vokumuka kuvafi. Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho. Zvino haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu nokuti kwaari vose vapenyu.”
Ruka 20:27-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋamŋe ʋaSaduse, iʋo ʋanoramba kumuka kwaʋakafa ʋaciti hakuna, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinaʋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. Ɀino, kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana; nowecipiri; nowecitatu akamutora; nokuɗaro naʋanomŋe ʋose, ʋakasasiya ʋana, ʋakafa. Pashure mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. Jesu akati kwaʋari: Ʋanakomana ʋenyika ino ʋanowana, ʋuye ʋanowaniswa; asi aʋo ʋacanzi naMŋari ʋakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwaʋakafa, haʋawani, ʋuye haʋawaniswi. Nokuti haʋazofi ɀe; nokuti ʋacaenzana naʋatumŋa; ʋaʋa ʋanakomana ʋaMŋari ɀaʋari ʋanakomana ʋokumuka. Naiye Mosesi ʋo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti ʋakafa ʋanomutswa ɀe, paakati Ishe ndiye Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Ɀino Mŋari haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; nokuti ʋose ʋapenyu kwaari.
Ruka 20:27-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)