Ruka 20:20-26
Ruka 20:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi. Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?” Akaona kunyengera kwavo akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.” Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.
Ruka 20:20-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakamucherechedza, vakatuma vashori, vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuushe nesimba romutongi. Vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinoonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi. Ko zvino takatenderwa kuterera Kesari mutero here, kana kwete.” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Ndiratidzei dhenari. Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko?” Vakati, “ZvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.
Ruka 20:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi. Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.” Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara.
Ruka 20:20-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakamucerekedza, ʋakatuma ʋashori, ʋakaɀiita saʋanhu ʋakarurama, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake, ʋamuise kuʋushe nesimba romutoŋgi. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti munotaura nokudzidzisa ɀakarurama, musiŋgatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi. Ko ɀino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Ndiratidzei denari. Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Ʋakati: ⱿaKesari. Ipapo akati kwaʋari: Naiɀoɀo ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakakoniwa kumuɓata pakutaura kwake pamberi paʋanhu; ʋakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.
Ruka 20:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)