Ruka 2:8-9 - Compare All Versions
Ruka 2:8-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomberedza, uye vakatya kwazvo.
Ruka 2:8-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru.
Ruka 2:8-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru.
Ruka 2:8-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino kwakaŋga kunaʋafudzi munyika iyo, ʋaigara kuʋuragu ʋacirinda mapoka aʋo ʋusiku. Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru.
Ruka 2:8-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru.