Ruka 2:25-35
Ruka 2:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro, Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti: “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose, chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.” Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”
Ruka 2:25-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye. Iye akanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu, asati aona Kristu waIshe. Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro, akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari, achiti, “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake Norugare sezvamakareva; Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; Chiedza chokuvhenekera vahedheni, Nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake. Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa; uye munondo uchabaya mweya wakowo; kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzizikanwe.”
Ruka 2:25-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti; “Tenzi mungachirega muranda wenyu zvino achienda norugare, sokureva kwenyu, nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu. Mwenje wokuvhenekera vechirudzi nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake naamai vake vakashamiswa vachinzwa zvakataurwa nezvake. Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.” Chichaita kuti pfungwa dziri mumwoyo yavazhinji dzizivikanwe. Nemiwo mwoyo wenyu uchabaiwa nebakatwa.
Ruka 2:25-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, kwakaŋga kunomunhu paJerusarema, wainzi Simeoni; waiʋa munhu wakarurama waiɗa Mŋari, waitarira kunyaradzwa kwaʋaIsraeri; noMŋeya Mutȿene wakaŋga anaye. Iye wakaŋga aratidzwa noMŋeya Mutȿene, kuti haaŋgaʋoni rufu, asati aʋona Kristu waShe. Iye wakaʋuya mutembere noMŋeya; ɀino ʋaɓereki ʋakati ʋaciʋuya nomŋana Jesu, kuti ʋaite naye nomutoʋo womurairo, akamuɓata mumaʋoko ake akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀino, Tenzi, muranda wenyu ŋgaaende hake Norugare seɀamakareʋa; Nokuti meso aŋgu aʋona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi paʋanhu ʋose; Ciedza cokuvenekera ʋahedeni, Nokurumbidzwa kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri. Ƃaɓa ʋake namai ʋake ʋakashamiswa neɀakarebga pamsoro pake. Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga; ʋuye munondo ucaɓaya mŋeya wako ʋo; kuti ndaŋgariro dzemŋoyo mizhinji dzizikanwe.
Ruka 2:25-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)