Ruka 2:25-32
Ruka 2:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro, Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti: “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose, chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”
Ruka 2:25-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye. Iye akanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu, asati aona Kristu waIshe. Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro, akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari, achiti, “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake Norugare sezvamakareva; Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; Chiedza chokuvhenekera vahedheni, Nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsiraeri.”
Ruka 2:25-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti; “Tenzi mungachirega muranda wenyu zvino achienda norugare, sokureva kwenyu, nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu. Mwenje wokuvhenekera vechirudzi nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.”
Ruka 2:25-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, kwakaŋga kunomunhu paJerusarema, wainzi Simeoni; waiʋa munhu wakarurama waiɗa Mŋari, waitarira kunyaradzwa kwaʋaIsraeri; noMŋeya Mutȿene wakaŋga anaye. Iye wakaŋga aratidzwa noMŋeya Mutȿene, kuti haaŋgaʋoni rufu, asati aʋona Kristu waShe. Iye wakaʋuya mutembere noMŋeya; ɀino ʋaɓereki ʋakati ʋaciʋuya nomŋana Jesu, kuti ʋaite naye nomutoʋo womurairo, akamuɓata mumaʋoko ake akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀino, Tenzi, muranda wenyu ŋgaaende hake Norugare seɀamakareʋa; Nokuti meso aŋgu aʋona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi paʋanhu ʋose; Ciedza cokuvenekera ʋahedeni, Nokurumbidzwa kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri.
Ruka 2:25-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)