Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:12-23 - Compare All Versions

Ruka 19:12-23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka. Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’ “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzinoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’ “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo. “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’ “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’ “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’ “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka. Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ane mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’ “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara? Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’

Pakurirana nevamwe
Ruka 19 BDSC

Ruka 19:12-23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Naizvozvo akati, “Mumwe munhu mukuru akaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa ushe, agodzokazve. Akadana varanda vake vane gumi, akavapa gumi repondo, akati kwavari, ‘Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.’ Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti, ‘Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.’ “Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake. Wokutanga akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzine gumizve.’ “Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’ “Wechipiri akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawedzerazve pondo shanu.’ “Akati kwaariwo, ‘Newe, ubate maguta mashanu.’ Zvino mumwe akasvika, akati, ‘Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakanga ndachengeta mumucheka. Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’ Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha; zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubangi, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.’

Pakurirana nevamwe
Ruka 19 SNA2002

Ruka 19:12-23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Naiɀoɀo akati: Mumŋe munhu mukuru wakaenda kunyika yakaŋga iri kure, kuti andopiwa ʋushe, agodzoka ɀe. Akaɗana ʋaranda ʋake ʋanegumi, akaʋapa pondo dzinegumi, akati kwaʋari: Shambadzirai, kuȿikira ndiciʋuya ɀe. Asi ʋanhu ʋenyika yake ʋakaŋga ʋacimuʋeŋga, ʋakatuma nhume kumuteʋera, kundoti: Hatiɗi kuti uyu munhu aʋe ishe weɗu. Ɀino wakati adzoka kuya kwaakaŋga andopiwa ʋushe, akaraira kuti ʋaya ʋaranda ʋaakaŋga apa mari, ʋaɗanirwe kwaari, anzwe kuti mumŋe nomumŋe wakawanei nokushambadzira kwake. Wokutaŋga akaȿika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawana dzimŋe pondo dzinegumi ɀe. Akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka; ɀawakaŋga wakatendeka paɀiɗuku‐ɗuku, uɓate maguta anegumi. Wecipiri akaȿika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera ɀe pondo shanu. Akati kwaari ʋo: Newe, uɓate maguta mashanu. Ɀino mumŋe akaȿika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakaŋga ndaceŋgeta mumuceka. Nokuti ndakaŋga ndicikutyai, ɀamuri munhu unehasha, munotora ɀamusakaisa’po, munoceka ɀamusakakusha. Akati kwaari: Ndicakutoŋga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakaŋga uciziʋa kuti ndiri munhu unehasha, ndicitora ɀandisakaisa, ndiciceka ɀandisakakusha; ɀino wakaregereiko kuisa mari yaŋgu mubaŋga, ndikazoitora pakudzoka kwaŋgu yawanda.

Pakurirana nevamwe
Ruka 19 SUB1949

Ruka 19:12-23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Naizvozvo akati, “Mumwe murume wokumbahuru akaenda kune imwe nyika iri kure kundopiwa umambo achizodzoka. Akashevedza varanda vake gumi akavapa gumi repondo, achiti kwavari, ‘Itai mhindu nayo kusvikira ndauya.’ Asi vanhu vake vaimuvenga. Vakatumira nhume dzokumutevera dzichiti, ‘Hatidi kuti munhu uyu atitonge.’ Paakadzoka apiwa umambo huya akati varanda vake vaakanga apa mari iya vadaidzwe kwaari kuti azive kuti mumwe nomumwe akanga awanei nemhindu. Wokutanga akauya kwaari achiti, ‘Changamire pondo yenyu yakabereka dzimwe pondo gumi pamusoro.’ Iye akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka! Pamusana pokuti wakatendeka muzvinhu zvidikidiki kudai uchatonga maguta gumi.’ Wechipiri akauyawo achiti, ‘Tenzi pondo yenyu yakabereka pondo shanu.’ Iye akati kwaari, ‘Iwewo uchatonga maguta mashanu.’ Mumwe akauya achiti, ‘Tenzi pondo yenyu iyi ini ndakaipfundira muhengechepfu, nokuti ndaikutyai nokuti muri munhu akaomarara. Munonhonga chamusina kuisa pasi, muchikohwa chamusina kudyara.’ Akati kwaari, ‘Ndinokupa mhosva nezvabva mumuromo mako, iwe muranda akaipa. Heya waitoziva zvako kuti ndiri munhu akaomarara anonhonga chaasina kuisa pasi nokukohwa paasina kudyara, ko zvino wakaregererei kuisa mari yangu mubhangi. Pandainge ndauya ndaizoitora yabereka.’

Pakurirana nevamwe
Ruka 19 SCLB

Ruka 19:12-23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ruka 19 SCLBD