Ruka 18:7-8
Ruka 18:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here? Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Ruka 18:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakatsanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here? Ndinoti kwamuri, achakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Ruka 18:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?”
Ruka 18:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko ɀino Mŋari haaŋgaruramisiri ʋakasanaŋgurwa ʋake, ʋanoɗanidzira kwaari masikati noʋusiku, kunyaŋge acinonoka pamsoro paʋo here? Ndinoti kwamuri: Ucakurumidza kuʋaruramisira. Asi Mŋanakomana womunhu kana aciȿika, ucawana kutenda panyika here?
Ruka 18:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)