Ruka 18:22-23
Ruka 18:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.” Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.
Ruka 18:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” Zvino akati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti akanga ane pfuma zhinji.
Ruka 18:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru.
Ruka 18:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu aciɀinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; teŋgesa ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Ɀino wakati acinzwa iɀoɀo, akaɓatwa neshuŋgu kwaɀo; nokuti wakaŋga anefuma zhinji.
Ruka 18:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru.