Ruka 18:18-43
Ruka 18:18-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga. Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.” Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.” Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru. Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari! Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?” Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.” Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana mununʼuna, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari, asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.” Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa. Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya. Pazuva rechitatu achamukazve.” Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo. Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika. Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.” Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
Ruka 18:18-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvimo mumwe mukuru wakamubvunza, akati, “Mudzidzisi akanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. Mirayiro unoiziva, inoti, ‘Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.” Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” Zvino akati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti akanga ane pfuma zhinji. Zvino Jesu, achimuona, akati, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari. “Nokuti ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.” Zvino vakanga vazvinzwa, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?” Iye akati, “Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kuna Mwari.” Ipapo Petirosi akati, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.” Akati kwavari, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya imba, kana mukadzi, kana vanun'una kana vabereki, kana vana, nokuda kwoushe hwaMwari, asingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, uye upenyu husingaperi nenguva inouya.’ ” Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita. “Nokuti achaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate, vachamurova, nokumuuraya, asi nezuva retatu achamukazve.” Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarehwa. Zvino akati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira, rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuura, rikabvunza, richiti, “Chinyiko?” Vakariudza, vachiti, “NdiJesu weNazareta anopfuura.” Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.” Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo rikaona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, vakakudza Mwari.
Ruka 18:18-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe mutongi akabvunza Jesu achiti, “Mudzidzisi wakanaka. Ndingaitei kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Sei uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka asi Mwari woga. Inga unoziva wani mitemo, inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usaite uchapupu hwenhema remekedza baba naamai vako.” Iye akati, “Yose iyi ndakaichengeta kubvira paudiki hwangu.” Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru. Jesu akamutarisa akati, “Zvakaoma sei kuti vano upfumi vapinde muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Avo vakazvinzwa vakati, “Kana zvakadaro ndiani angaponeswe.” Asi iye akati, “Zvisingagoneki navanhu zvinogoneka naMwari.” Pita akazoti, “Tarisai muone, isu takasiya misha yedu tikakuteverai.” Iye akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya musha kana mukadzi kana vakoma kana vaunun'una kana vabereki kana vana pamusana poumambo hwaMwari asingazowani zvakapetwa kakawanda kupinda izvozvo panguva ino uye upenyu husingaperi munguva ichauya.’ ” Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa. Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate. Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.” Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva. Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.
Ruka 18:18-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari. Mirairo unoiziʋa, inoti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usapupura nhema, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako. Iye akati: Iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Ɀino Jesu aciɀinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; teŋgesa ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Ɀino wakati acinzwa iɀoɀo, akaɓatwa neshuŋgu kwaɀo; nokuti wakaŋga anefuma zhinji. Ɀino Jesu, acimuʋona, akati: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda muʋushe bgaMŋari. Nokuti kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri rorunji, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakaŋga ʋaɀinzwa, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa? Iye akati: Iɀo ɀisiŋgabviri kuʋanhu, ɀinobvira kunaMŋari. Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai. Akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana ʋanuŋuna, kana ʋaɓereki, kana ʋana, nokuɗa kwoʋushe bgaMŋari, usiŋgazopiwi ɀizhinji kunaiɀoɀo neŋguʋa ino, ʋuye ʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya. Ɀino wakatora ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaitirwa ɀose ɀakanyorwa naʋaprofita. Nokuti ucaiswa kuʋahedeni, nokusekwa, nokuitirwa ɀakaipa, nokupfirwa mate, ʋacamuroʋesa, nokumuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamuka ɀe. Asi haʋana‐kunzwisisa cinhu cimŋe caiɀoɀo; shoko iri rakaŋga rakaʋanzika kwaʋari, ʋuye haʋana‐kunzwisisa iɀo ɀakarebga. Ɀino wakati asweɗera Jeriko, rimŋe ɓofu raigara panzira ricikumbira, rakanzwa ʋanhu ʋazhinji ʋacipfuʋura, rikabvunza, riciti: Cinyiko? Ʋakariʋudza, ʋaciti: NdiJesu weNazareta unopfuʋura. Ipapo rakaɗanidzira, riciti: Jesu, Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino ʋakaŋga ʋakatuŋgamira ʋakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kuɗanidzira, riciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino Jesu wakamira, akaraira kuti ʋaʋuye naro kwaari; rikati rasweɗera, akaribvunza, aciti: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndiʋone. Jesu akati kwariri: Ciʋona, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo rikaʋona, rikamuteʋera, ricirumbidza Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakakudza Mŋari.
Ruka 18:18-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)