Ruka 18:18-30 - Compare All Versions
Ruka 18:18-30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga. Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.” Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.” Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru. Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari! Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?” Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.” Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana mununʼuna, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari, asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.”
Ruka 18:18-30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvimo mumwe mukuru wakamubvunza, akati, “Mudzidzisi akanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. Mirayiro unoiziva, inoti, ‘Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.” Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” Zvino akati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti akanga ane pfuma zhinji. Zvino Jesu, achimuona, akati, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari. “Nokuti ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.” Zvino vakanga vazvinzwa, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?” Iye akati, “Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kuna Mwari.” Ipapo Petirosi akati, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.” Akati kwavari, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya imba, kana mukadzi, kana vanun'una kana vabereki, kana vana, nokuda kwoushe hwaMwari, asingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, uye upenyu husingaperi nenguva inouya.’ ”
Ruka 18:18-30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino mumŋe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari. Mirairo unoiziʋa, inoti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usapupura nhema, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako. Iye akati: Iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Ɀino Jesu aciɀinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; teŋgesa ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Ɀino wakati acinzwa iɀoɀo, akaɓatwa neshuŋgu kwaɀo; nokuti wakaŋga anefuma zhinji. Ɀino Jesu, acimuʋona, akati: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda muʋushe bgaMŋari. Nokuti kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri rorunji, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakaŋga ʋaɀinzwa, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa? Iye akati: Iɀo ɀisiŋgabviri kuʋanhu, ɀinobvira kunaMŋari. Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai. Akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana ʋanuŋuna, kana ʋaɓereki, kana ʋana, nokuɗa kwoʋushe bgaMŋari, usiŋgazopiwi ɀizhinji kunaiɀoɀo neŋguʋa ino, ʋuye ʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya.
Ruka 18:18-30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mutongi akabvunza Jesu achiti, “Mudzidzisi wakanaka. Ndingaitei kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Sei uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka asi Mwari woga. Inga unoziva wani mitemo, inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usaite uchapupu hwenhema remekedza baba naamai vako.” Iye akati, “Yose iyi ndakaichengeta kubvira paudiki hwangu.” Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru. Jesu akamutarisa akati, “Zvakaoma sei kuti vano upfumi vapinde muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Avo vakazvinzwa vakati, “Kana zvakadaro ndiani angaponeswe.” Asi iye akati, “Zvisingagoneki navanhu zvinogoneka naMwari.” Pita akazoti, “Tarisai muone, isu takasiya misha yedu tikakuteverai.” Iye akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya musha kana mukadzi kana vakoma kana vaunun'una kana vabereki kana vana pamusana poumambo hwaMwari asingazowani zvakapetwa kakawanda kupinda izvozvo panguva ino uye upenyu husingaperi munguva ichauya.’ ”
Ruka 18:18-30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)