Ruka 15:25-31
Ruka 15:25-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba. Saka akadana mumwe wavaranda akamubvunza kuti chii chakanga chichiitika. Muranda akapindura akati, ‘Mununʼuna wenyu auya uye baba venyu vamubayira mhuru yakakodzwa nokuti adzoka ari mupenyu uye akasimba.’ “Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Saka baba vake vakabuda vakamunyengetedza. Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu. Asi pangouya mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa!’ “Baba vakati, ‘Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako.
Ruka 15:25-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wake wedangwe akanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. “Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti, ‘Izvi zvinyiko.’ Akati kwaari, ‘Munun'una wako asvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwanazve ari mupenyu.’ ” “Asi iye akatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari. Asi iye akapindura, akati kuna baba vake, ‘Tarirai, ndakakushandirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murayiro wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu. Asi mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvipfeve, akati achisvika, momubayira mhuru yakakodzwa.’ Ivo vakati kwaari, ‘Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako.
Ruka 15:25-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Izvozvo mwanakomana wavo mukuru akanga ari kumunda. Paakanga achiuya ava kusvika pedyo nemba akanzwa mumhanzi nokutamba. Akadaidza mumwe mushandi akamubvunza kuti chaiva chii. Akamuti, ‘Munun'una wenyu wauya. Baba venyu vabaya mhuru iya yakakodzwa nokuti vamugamuchirazve ari mutano.’ Asi iye akashatirwa akaramba kupinda. Baba vake vakauya vakamuteterera. Asi iye akapindura baba vake achiti, ‘Tarirai muone kuti kwamakore mazhinji aya ndakakushandirai asi handina kumboramba kukutererai zvamaindiudza. Asi imi hamuna kana kumbondipa kana kambudzana zvako kokuti ndifare neshamwari dzangu. Asi pangouya mwana wenyu uyu akapedza zvinhu zvenyu zvinokuraramisai nepfambi, mabva mamubaira mhuru yakakodzwa.’ Baba vakati kwaari, ‘Mwanangu uneni nguva dzose uye zvangu zvose ndezvako.
Ruka 15:25-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana wake weɗaŋgwe wakaŋga ari kumunda; ɀino wakati aciȿika, acisweɗera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. Ipapo akaɗanira kwaari mumŋe waʋaranda, akamubvunza kuti iɀi ɀinyiko. Akati kwaari: Munuŋuna wako waȿika, ɀino ɓaɓa ʋako ʋaɓaya mhuru yakakodzwa, nokuti ʋamuwana ɀe ari mupenyu. Asi iye wakatsamŋa, akaramba kupinda. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakakumbira ɀikuru kwaari. Asi iye wakapindura, akati kunaɓaɓa ʋake: Tarirai, ndakakuɓatirai makore awa mazhinji, ndisiŋgatoŋgoɗariki murairo wenyu, asi hamuna‐kutoŋgondipa mbudzana, kuti ndifare neshamŋari dzaŋgu. Asi mŋanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu neɀifeʋe, wakati aciȿika, mamuɓayira mhuru yakakodzwa. Iʋo ʋakati kwaari: Mŋana waŋgu, iwe uneni ŋguʋa dzose, ɀose ɀaŋgu ndeɀako.
Ruka 15:25-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)