Ruka 15:20-21
Ruka 15:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda. “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’
Ruka 15:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda. “Mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ndatadzira wedenga nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’
Ruka 15:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda. Mwana uya akati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira Wedenga uye ndakakutadzirai. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu.’
Ruka 15:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta. Mŋanakomana akati kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu.
Ruka 15:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)