Ruka 15:17-20
Ruka 15:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’ Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.
Ruka 15:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara. Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari, baba, ndatadzira wedenga, nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.’ Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda.
Ruka 15:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakazobengenuka akazviti, ‘Vangani vashandi vababa vangu vane chokudya chakakwana vachitosia zvavo asi ini ndichifa nenzara kuno.’ Ndichasimuka ndiende kuna Baba vangu ndigondoti kwavari, ‘Baba ndakatadzira denga uye ndatadzawo kwamuri. Handichakodzeri kuti ndinzi mwana wenyu. Chindibatai somumwe wavashandi venyu.’ Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda.
Ruka 15:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati aciɀifuŋga, akati: Ʋaranda ʋazhinji sei ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaneɀokudya ɀakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara. Ndicasimuka, ndiende kunaɓaɓa ʋaŋgu, nditi kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga, napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu; mundiite somumŋe waʋaranda ʋenyu. Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta.
Ruka 15:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)