Ruka 14:28-30
Ruka 14:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
Ruka 14:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo? Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozviona, vasatanga kumuseka, vachiti, ‘Uyu munhu akatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.’
Ruka 14:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here? Zvingaitike kuti iye achera ugaro hwayo wotadza kuipedza. Vose vanoiona vanotanga kumuseka vachiti, ‘Murume uyu akatangisa kuvaka asi akatadza kupedza.’
Ruka 14:28-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana anemari yokuipedzisa nayo? Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋanoɀiʋona, ʋasataŋga kumuseka, ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa.
Ruka 14:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)