Ruka 13:6-10
Ruka 13:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri. Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’ “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze. Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ” Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata
Ruka 13:6-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemidzambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa. Ipapo akati kumurimi womunda wemidzambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’ Akapindura, akati kwaari, ‘Ishe, muuregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze; kana ukazobereka michero, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu.’ ” Zvino akanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi weSabata.
Ruka 13:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.” Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.” Iye akamupindura achiti, “Chimbouregai zvenyu, changamire, kwegore rinozve, kusvikira ndautimbira uye ndauisa mupfudze. Kana ukabereka muchero gore rinouya zvakanaka; kana usina moutema zvenyu.” Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata.
Ruka 13:6-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakataura mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga anomuʋonde, wakaŋga wakasimŋa mumunda wake wemizambiriŋga; akaʋuya acitȿaka ɀiɓereko kwauri, akashaiwa. Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiriŋga: Tarira, ndaʋuya makore matatu ndicitȿaka ɀiɓereko pamuʋonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi? Akapindura, akati kwaari: Ishe, muuregei henyu nhaka, kuȿikira ndiciurimira, nokuuisa mupfudze; kana ukazoɓereka ɀiɓereko, ɀakanaka; asi kana usiŋgaɓereki, muŋgazoutema henyu. Ɀino wakaŋga acidzidzisa munerimŋe sinagoge nomusi wesaɓata.
Ruka 13:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)