Ruka 13:31-35
Ruka 13:31-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.” Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’ Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema! “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba! Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ”
Ruka 13:31-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo vamwe vaFarisi vakasvika, vakati kwaari, “Budai, mubve pano, nokuti Herodhi anoda kukuurayai.” Akati kwavari, “Endai, mundoudza mhungubwe iyo, muti, ‘Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.’ Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita aurawe kunze kweJerusaremu. “Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi ndinoti kwamuri, hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!’ ”
Ruka 13:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo vamwe vaFarisei vakauya vakati kwaari, “Chibvai kuno nokuti Herodhi ari kuda kukuurayai.” Iye akati kwavari, “Endai mundotaurira gava iroro kuti, ‘Ndiri kudzinga mweya yakaipa ndichaporesa nhasi namangwana, pazuva retatu ndobva ndapedza basa rangu.’ Izvo zviri izvowo zvokuti ndinofanira kumbofamba parwendo rwangu nhasi namangwana nezuva ramangwana acho nokuti hazviite kuti muporofita apararire kunze kweJerusaremu.” “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba. Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Ruka 13:31-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaFarise ʋakaȿika, ʋakati kwaari: Ƃuɗai, mubve pano, nokuti Herode unoɗa kukuʋurayai. Akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza mhuŋgubge iyo, muti: Tarira, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa, ndinoporesa nhasi namaŋgwana, nezuʋa retatu ndinopedzisa. Asi ndinofanira kufamba nhasi namaŋgwana, nerinoteʋera, nokuti haɀiŋgaitiki kuti muprofita aʋurawe kunze kweJerusarema. Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo; asi ndinoti kwamuri: Hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe!
Ruka 13:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)