Ruka 13:3-5
Ruka 13:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose. Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here? Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.”
Ruka 13:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo. Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusaremu here? Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.”
Ruka 13:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoti, ‘Kwete.’ Asi imi mukarega kutendeuka muchapararawo mose saizvozvo. Kana vaya gumi navasere vakawirwa neshongwe yomuSirowamu ikavauraya; munofunga kuti vakanga vari vatadzi kupinda vamwe vose vaigara muJerusaremu here? Ndinokutii, ‘Kwete.’ Asi imi, mukasatendeuka muchapararawo mose saizvozvo.”
Ruka 13:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo. Kana ʋaya ʋanegumi naʋasere, ʋakawirwa neȿiŋgo yeSiroami, ikaʋaʋuraya, munoti ʋakaŋga ʋanemhoȿa kukunda ʋanhu ʋose ʋaigara Jerusarema here? Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo.
Ruka 13:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)