Ruka 13:18-21
Ruka 13:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko? Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.” Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko? Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”
Ruka 13:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana neiko? Ndichahufananidza nei? Hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akadyara mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.” Akatizve, “Ushe hwaMwari ndichahufananidza neiko? Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
Ruka 13:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akazoti, “Umambo hwaMwari hungafananidzwe nei, ndingauenzanise neiko? Hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akandoidyara mubindu rake. Yakakura ikava muti. Shiri dzedenga dzakaita matendere mumapazi awo.” Akatizve umambo hwaMwari ndingahauenzanise nei? Hwakaita sembiriso yakatorwa nomudzimai akakanya muzviero zvitatu zvoupfu kusvikira zvatutuma.
Ruka 13:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana neiko? Ndicabgufananidza nei? Bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokuɗeŋga dzikagara pamataʋi awo. Akati ɀe: Ʋushe bgaMŋari ndicabgufananidza neiko? Bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
Ruka 13:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)