Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:35-48

Ruka 12:35-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta, savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova. Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakarindira paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi kuti achazvishongedza iye pachake kuti ashande, achaita kuti vagare patafura agouya avashandire. Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, kunyange dai akauya nenguva yokurindira yechipiri kana yechitatu yousiku. Asi nzwisisai izvi: kuti dai mwene weimba aiziva nguva inosvika mbavha, haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Nemiwo munofanira kugara makazvigadzirira, nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.” Petro akati, “Ishe, munotaura mufananidzo uyu kwatiri here kana kuna vose?” Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake pamusoro pavashandi kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimboti muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvambura-bvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi. “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji. Asi munhu anenge asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:35-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute. Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo. Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, anovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, achazvisunga chiuno iye, akavagarisa pakudya, akauya akavashandira. “Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yousiku, akavawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo. Asi muzive izvi, kuti dai muridzi weimba aiziva nguva inouya nayo mbavha, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yamusingafungi.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kuna vose here?” Ishe akati, “Ndianiko mutariri akatendeka, akachenjera, achaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo anoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti achamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa, ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwechete navasakatendeka. Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya. “Asi asina kuziva, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa zvishoma. Akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; anotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:35-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Garai makakunyira nguwo dzenyu muchiuno makabatidza mwenje yenyu makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza. Vakakomborerwa varanda avo vanowanikwa naTenzi vakasvinura paanouya. Ndinokutaurirai zvechokwadi kuti achakunya nguwo dzake ovati vagare pakudya iye wouya achivaperekera; pangave pakati pousiku paanouya kana kuti nenguva yomurirakamwe chero achingovawana vakadaro vakakomborerwa zvavo varanda ivavo. Asi zivai izvi zvokuti dai kuri kuti saimba aiziva nguva inouya mbavha nayo angadai aigara akasvinura haairega imba yake ichipazwa. Nemiwo munofanira kugara makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingatarisiri.” Pita akati, “Tenzi, muri kuitira muenzaniso uyu isu kana kuti muri kuuitira vanhu vose here?” Tenzi akati, “Ndoupi, zvino, mutariri akatendeka uye akangwara anoiswa natenzi pabasa rokutarira vomumusha make kuti avape mugove wavo wechokudya nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana Tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza tenzi womuranda iyeyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi. Achamuranga achizomuisa kuna vasingatendeki. Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru. Asi uyo akaita zvinokodzera kuti arohwe, acharohwa hake zvishoma. Munhu wose anopiwa zvakawanda, kwaari kunotarisirwawo zvakawanda. Kunouyo akaturirwa zvizhinji vanotarisirawo kwaari zvakatowandisa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:35-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀiʋuno ɀenyu ŋgaɀigare ɀakasuŋgwa, nemŋenje yenyu ipfute. Nemi muʋe saʋanhu ʋakarindira ishe waʋo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akaȿika, akagogodza, ʋamuzarurire pakarepo. Ʋakaropafadzwa ʋaranda aʋo, ʋanoti, kana ishe aciȿika, unoʋawana ʋakarindira. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucaɀisuŋga ciʋuno iye, akaʋagarisa pakudya, akaʋuya akaʋashandira. Kana akaȿika neŋguʋa yokurindira yecipiri, kana yecitatu yoʋusiku, akaʋawana ʋakaɗaro, ʋakaropafadzwa ʋaranda iʋaʋo. Asi muziʋe iɀi, kuti ɗai mŋene weimba aiziʋa ŋguʋa inoʋuya nayo mbava, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. Nemi ʋo mugare makaɀigadzira, nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yamusiŋgafuŋgi. Ɀino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunaʋose here? Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakacenjera, ucaiswa nashe wake pamsoro paʋaranda ʋake, kuti aʋape mugoʋe weɀokudya ɀaʋo neŋguʋa yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo. Asi kana muranda uyo akareʋa mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka kuʋuya; akataŋga kuroʋa ʋaranda, ʋarume naʋakadzi, akadya, akanwa, akaɓatwa, ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgatariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi, akamuroʋesa ɀikuru, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋasakatendeka. Muranda uyo wakaziʋa kuɗa kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuɗa kwake, ucarobga ɀizhinji. Asi usina‐kuziʋa, akaita ɀakafanira kurobga, ucarobga ɀishoma. Wakapiwa ɀizhinji, ɀizhinji ɀicatȿakwa kwaari; unotendwa neɀizhinji, ʋacareʋa ɀinopfuʋurisa kwaari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:35-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)