Ruka 12:22-26
Ruka 12:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka. Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei! Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya? Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe?
Ruka 12:22-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
Ruka 12:22-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi?
Ruka 12:22-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe?
Ruka 12:22-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)