Ruka 12:1-3
Ruka 12:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvichakadaro, zviuru nezviuru zvakati zvaungana, zvokuti vakanga vava kutsikirirana, Jesu akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisi, kunyengera. Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba.
Ruka 12:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vane zviuru zvizhinji vakati vaunganira pamwechete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti, “Chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiko kunyengera. Hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi. “Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
Ruka 12:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi. Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba.
Ruka 12:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋaneɀuru ɀizhinji ʋakati ʋaʋuŋganira pamŋe cete kuȿikira ʋotsikirirana, akaʋamba kutaura kuʋa dzidzi ʋake pakutaŋga, aciti: Cenjerai mbiriso yaʋaFarise, ndiko kunyeŋgera. Hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Saka ɀose ɀamakataura murima, ɀicanzwika muciedza; neɀamakataura munzeʋe mudzimba dzomukati, ɀicaparidzwa pamsoro pedzimba.
Ruka 12:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)