Ruka 11:8-9
Ruka 11:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda. “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova.
Ruka 11:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake. Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
Ruka 11:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa
Ruka 11:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa.
Ruka 11:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)