Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:2-4 - Compare All Versions

Ruka 11:2-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva. Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ ”

Pakurirana nevamwe
Ruka 11 BDSC

Ruka 11:2-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ”

Pakurirana nevamwe
Ruka 11 SNA2002

Ruka 11:2-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye; mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana; mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa.

Pakurirana nevamwe
Ruka 11 SUB1949

Ruka 11:2-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 11 SCLB

Ruka 11:2-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 11 SCLBD