Ruka 11:14-23
Ruka 11:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo. Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.” Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo. Jesu akaziva ndangariro dzavo akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa. Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi. Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu. Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri. “Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka. Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba. “Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira.
Ruka 11:14-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati, “Anobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.” Asi vamwe vakamuedza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga. Zvino iye akati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri? Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. “Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. “Kana munhu ane simba, akashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka. Asi kana mumwe anomupfuura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo achamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba. “Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
Ruka 11:14-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa. Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika. Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru. Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri. “Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka. Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba. “Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza.
Ruka 11:14-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaŋga aciɓuɗisa mŋeya wakaipa, waiʋa mbeʋeʋe; mŋeya wakaipa ukati wabva, mbeʋeʋe ikataura, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa. Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemŋeya yakaipa. Asi ʋamŋe ʋakamuidza, ʋakakumbira ciratidzo kwaari cinobva kuɗeŋga. Ɀino iye wakati aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. NaSatani, kana aciɀipesanisa, ʋushe bgake bguŋgamira seiko, ɀamunoti, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi? Kana ini ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Naiɀoɀo iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu. Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa nomunwe waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. Kana munhu unesimba, wakashoŋga nhumbi dzokurwa, acirinda imba yake, nhumbi dzake dzinoceŋgeteka. Asi kana mumŋe unomupfuʋura nesimba akamuʋamba, akamukunda, ipapo ucamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakaŋga aciʋimba nadzo, ndokugoʋera iɀo ɀaapamba. Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza.
Ruka 11:14-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)