Ruka 11:11-13
Ruka 11:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here? Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
Ruka 11:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
Ruka 11:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.”
Ruka 11:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here? Kana akakumbira zai, ʋaŋgamupa cinyaʋaɗa here? Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari.
Ruka 11:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)