Ruka 10:17-20
Ruka 10:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.” Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni. Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai. Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
Ruka 10:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.” Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kudenga semheni. “Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai. Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
Ruka 10:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadzidzi makumi manomwe vakadzoka norufaro vachiti, “Tenzi, kunyange mweya yakaipa yava pasi pedu muzita renyu.” Asi Jesu akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa semheni inobva mudenga. Chionai ndakakupai simba kuti mutsiketsike nyoka namarize nokukunda simba rose romuvengi uye hapana chichakukuvadzai. Zvakadaro zvazvo musafarire izvi zvokuti mweya yava pasi penyu asi farirai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
Ruka 10:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanamakumi manomŋe ʋakadzoka nomufaro, ʋaciti: Ishe, kunyaŋge nemŋeya yakaipa inoɀiisa pasi peɗu muzita renyu. Akati kwaʋari: Ndakaʋona Satani aciwa kuɗeŋga semheni. Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamsoro penyoka neɀinyaʋaɗa, napamsoro pesimba rose romuʋeŋgi; hakunecinhu ciŋgatoŋgokukuʋadzai. Asi, musafara ɓedzi necinhu ici, kuti mŋeya inoɀiisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kuɗeŋga.
Ruka 10:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)