Ruka 10:1-23
Ruka 10:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira. “Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’ Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’ Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti, ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’ Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro. “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga. Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi. Uye iwe, Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika. “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.” Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.” Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni. Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai. Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.” Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.” Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona
Ruka 10:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Ishe akagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve neimba ino.’ Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake; musapota-pota nedzimba. “Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa. Poresai varwere varimo, muchiti kwavari, ‘Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.’ Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzaro, muti, ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti ushe hwaMwari hwaswedera.’ “Ndinoti kwamuri, Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuura guta iro. Une nhamo, iwe Korazini! Une nhamo, iwe Bhetisaidha! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu dai akaitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare, vakagara vana masaga nedota. Asi Tire neSidhoni acharerukirwa pakutongwa kupfuuremi. Newe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchadzika kuHadhesi.” “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; anokurambai imi, anondiramba ini; anoramba ini, anoramba iye akandituma.” Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.” Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kudenga semheni. “Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai. Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.” Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.” Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga, “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa.
Ruka 10:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi Tenzi akasarudza vamwe makumi manomwe akavatuma pamberi pake achivaita vaviri vaviri kuguta riri rose nenzvimbo dzose dzaainge iye achazoshanyira. Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa. Chiendai. Tarisai, ndiri kukutumai sehwayana mukati memhumhi. Regai kutakura chikwama kana nhava kana shangu. Musakwazise munhu panzira. Imba yose yamanopinda tangai mati, “Rugare ngaruve muimba ino.” Kana munhu wepo ari worugare, rugare rwenyu ruchava paari. Kana asiri worugare, rugare rwenyu ruchadzokera kwamuri. Garai muimba imwecheteyo, muchidya nokunwa zvavanokupai nokuti mushandi anokodzera mubayiro wake. Musatevedze nedzimba. Kana mukapinda muguta ripi zvaro vakakugamuchirai idyai zvavanokuperekerai. Rapai vanorwara mariri, muti kwavari umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi. Kanawo mukapinda muguta ripi zvaro, vakasakugamuchirai endai mumigwagwa yaro muti; “Kunyange guruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinorikuhumurira imi, zvakadaro zvazvo zivai izvi zvokuti umambo hwaMwari hwaswedera.” Ndinokutaurirai kuti pazuva guru rokutongwa zvichava nyore kuSodhomu pane kune guta iroro. Zvichakuwana zvako iwe Korozeini. Zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare. Vangadai vakatopfeka masaga vakagara pamadota. Zvichava nyore pazuva rokutongwa kune guta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu, uchasimudzirwa kudenga nhai? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Anokuteererai anoteererawo ini; anokurambai ari kutoramba ini. Uyo anoramba ini anorambawo uyo akandituma. Vadzidzi makumi manomwe vakadzoka norufaro vachiti, “Tenzi, kunyange mweya yakaipa yava pasi pedu muzita renyu.” Asi Jesu akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa semheni inobva mudenga. Chionai ndakakupai simba kuti mutsiketsike nyoka namarize nokukunda simba rose romuvengi uye hapana chichakukuvadzai. Zvakadaro zvazvo musafarire izvi zvokuti mweya yava pasi penyu asi farirai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.” Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.” Akazotendeukira kuvadzidzi akavataurira zvepachavo achiti, “Akakomborerwa zvawo maziso anoona zvamuri kuona.
Ruka 10:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Ishe wakagadza ɀe ʋamŋe ʋanamakumi manomŋe, akaʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri pamberi pake mumaguta ose, ʋuye kwose kwaakaŋga aciɗa kuenda. Akati kwaʋari: Kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma; naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere. Musatora cikwama, kana homboɗo, kana shaŋgu; musakwazisa munhu panzira. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutaŋge kuti: Rugare ŋgaruʋe neimba ino. Kana munhu worugare aneŋge ari’po, rugare rwenyu rucazorora pamsoro pake; kana kusina, rucadzokera kwamuri. Garai muimba iyo, mucidya nokunwa ɀaʋanaɀo; nokuti muɓati wakafanirwa nomuɓairo wake; musapota‐pota nedzimba. Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana ʋakakugamucirai, idyai ɀamunopakurirwa. Poresai ʋarwere ʋari’mo, muciti kwaʋari: Ʋushe bgaMŋari bgasweɗera kwamuri. Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana ʋasiŋgakugamuciriyi, ɓuɗirai munzira dzaro, muti: Kunyaŋge neguruʋa reguta renyu rakanamatira tsoka dzeɗu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muziʋe cinhu ici kuti ʋushe bgaMŋari bgasweɗera. Ndinoti kwamuri: Sodoma ricarerukirwa nezuʋa iro kupfuʋura guta iro. Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti maɓasa esimba akaitwa mukati menyu, ɗai akaitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare, ʋakagara ʋanamasaga neɗota. Asi Tire neSidoni acarerukirwa pakutoŋgwa kupfuʋuremi. Newe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi. Unokunzwai imi, unondinzwa ini; unokurambai imi, unondiramba ini; unondiramba ini, unoramba iye wakandituma. Ʋanamakumi manomŋe ʋakadzoka nomufaro, ʋaciti: Ishe, kunyaŋge nemŋeya yakaipa inoɀiisa pasi peɗu muzita renyu. Akati kwaʋari: Ndakaʋona Satani aciwa kuɗeŋga semheni. Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamsoro penyoka neɀinyaʋaɗa, napamsoro pesimba rose romuʋeŋgi; hakunecinhu ciŋgatoŋgokukuʋadzai. Asi, musafara ɓedzi necinhu ici, kuti mŋeya inoɀiisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kuɗeŋga. Neŋguʋa iyo wakafara noMŋeya Mutȿene, akati: Ndinokuʋoŋgai Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu; hakuna‐unoziʋa kuti Mŋanakomana ndiani, asi Ƃaɓa, ʋuye kuti Ƃaɓa ndiani, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye. Ipapo akatendeʋukira kuʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari, ʋari ʋoga: Meso, anoʋona ɀamunoʋona, akaropafadzwa.
Ruka 10:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)