Ruka 10:1-11
Ruka 10:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira. “Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’ Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’ Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti, ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’
Ruka 10:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Ishe akagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve neimba ino.’ Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake; musapota-pota nedzimba. “Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa. Poresai varwere varimo, muchiti kwavari, ‘Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.’ Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzaro, muti, ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti ushe hwaMwari hwaswedera.’
Ruka 10:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi Tenzi akasarudza vamwe makumi manomwe akavatuma pamberi pake achivaita vaviri vaviri kuguta riri rose nenzvimbo dzose dzaainge iye achazoshanyira. Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa. Chiendai. Tarisai, ndiri kukutumai sehwayana mukati memhumhi. Regai kutakura chikwama kana nhava kana shangu. Musakwazise munhu panzira. Imba yose yamanopinda tangai mati, “Rugare ngaruve muimba ino.” Kana munhu wepo ari worugare, rugare rwenyu ruchava paari. Kana asiri worugare, rugare rwenyu ruchadzokera kwamuri. Garai muimba imwecheteyo, muchidya nokunwa zvavanokupai nokuti mushandi anokodzera mubayiro wake. Musatevedze nedzimba. Kana mukapinda muguta ripi zvaro vakakugamuchirai idyai zvavanokuperekerai. Rapai vanorwara mariri, muti kwavari umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi. Kanawo mukapinda muguta ripi zvaro, vakasakugamuchirai endai mumigwagwa yaro muti; “Kunyange guruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinorikuhumurira imi, zvakadaro zvazvo zivai izvi zvokuti umambo hwaMwari hwaswedera.”
Ruka 10:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Ishe wakagadza ɀe ʋamŋe ʋanamakumi manomŋe, akaʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri pamberi pake mumaguta ose, ʋuye kwose kwaakaŋga aciɗa kuenda. Akati kwaʋari: Kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma; naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere. Musatora cikwama, kana homboɗo, kana shaŋgu; musakwazisa munhu panzira. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutaŋge kuti: Rugare ŋgaruʋe neimba ino. Kana munhu worugare aneŋge ari’po, rugare rwenyu rucazorora pamsoro pake; kana kusina, rucadzokera kwamuri. Garai muimba iyo, mucidya nokunwa ɀaʋanaɀo; nokuti muɓati wakafanirwa nomuɓairo wake; musapota‐pota nedzimba. Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana ʋakakugamucirai, idyai ɀamunopakurirwa. Poresai ʋarwere ʋari’mo, muciti kwaʋari: Ʋushe bgaMŋari bgasweɗera kwamuri. Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana ʋasiŋgakugamuciriyi, ɓuɗirai munzira dzaro, muti: Kunyaŋge neguruʋa reguta renyu rakanamatira tsoka dzeɗu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muziʋe cinhu ici kuti ʋushe bgaMŋari bgasweɗera.
Ruka 10:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)