Ruka 1:31-33
Ruka 1:31-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”
Ruka 1:31-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.”
Ruka 1:31-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi.
Ruka 1:31-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo.
Ruka 1:31-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)