Revhitiko 9:23-24
Revhitiko 9:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi naAroni vakapinda muTende Rokusangana. Pavakabuda vakaropafadza vanhu, uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo.
Revhitiko 9:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mosesi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.
Revhitiko 9:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi naAroni vakapinda mutendhe rokusanganira, pavakabudamo vakapa vanhu chikomborero, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukaonekwa navanhu vose. Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa mupiro wokupisa pamwechete namafuta aiva paatari. Vanhu vose pavakazviona vakadaidzira vakati pasi zvambarara.
Revhitiko 9:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mosesi naAroni ʋakapinda mutente rokusoŋgana, ʋakaɓuɗa ɀe, ʋakaropafadza ʋanhu; kubginya kwaJehova kukaʋonekwa naʋanhu ʋose. Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukapisa cipiriso cinopiswa namafuta pamsoro peartari; ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakaɗanidzira, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo.
Revhitiko 9:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)