Revhitiko 9:1-7
Revhitiko 9:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri. Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondobwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha. Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa nehando negondobwe zvechipiriso chokuwadzana kuti mubayire pamberi paJehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo chakasanganiswa namafuta. Nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’ ” Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha. Ipapo Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti muite kuti kubwinya kwaJehovha kugoratidzwa kwamuri.” Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.”
Revhitiko 9:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nomusi werusere Mosesi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri, akati kuna Aroni, “Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondohwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha. Utaure navana vaIsiraeri, uti, ‘Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa, nenzombe, negondohwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.’ ” Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMosesi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha. Ipapo Mosesi akati, “Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.” Mosesi akati kuna Aroni, “Swedera kuatari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.”
Revhitiko 9:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva rorusere Mosesi akakokera Aroni navanakomana vake, navakuru vakuru vavaIsiraeri kuti vauye, akati kuna Aroni, “Zvitorere chimhuru chomukono yomupiro wokupfupira zvitadzo, nehondohwe yomupiro wokupisa, dzose dziri mbiri ngadzive dzisina chinoshoreka padziri, udzipire kuna Tenzi, utaurire vaIsiraeri kuti, ‘Torai gotora romupiro wokupfupira zvitadzo nemhuru, nehwayana dzose dziri mbiri dzive dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka padziri dzomupiro wokupisa.’ Mutorewo nzombe nehondohwe zvomupiro wokuwadzana, zvokubayira kuna Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa wakasanganiswa nemafuta, nokuti nhasi uno Mwari achazviratidza kwamuri.” VaIsiraeri vakaunza zvose zvakarayirwa naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira, vose vakauya vakasvikomira pana Tenzi. Mosesi akati, “Izvozvi ndizvo zvakanzi naTenzi muite. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuchazviratidza kwamuri.” Mosesi akati kuna Aroni, “Chienda kuatari upire mupiro wako wokupfupira zvitadzo, nomupiro wako wokupisa upfupire zvitadzo zvako, nevemba yako, upirire vanhu mupiro, sokureva kwaTenzi.”
Revhitiko 9:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nomusi worusere Mosesi wakaɗana Aroni naʋanakomana ʋake, naʋakuru ʋaIsraeri, akati kunaAroni: Tora mukono wemhuru ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge ciʋe cipiriso cinopiswa, ɀisinemhoȿa, uʋuye naɀo pamberi paJehova. Utaure naʋana ʋaIsraeri, uti: Torai nhoŋgo yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi, nemhuru, negwaiana, ɀose ɀegore rimŋe, ɀisinemhoȿa, ciʋe cipiriso cinopiswa; nenzombe, negondobge ɀiʋe ɀipiriso ɀokuyananisa, muɀiɓayire pamberi paJehova; necipiriso coʋupfu bgakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehova unoɀiratidza kwamuri. Ɀino iʋo ʋakaʋuya neɀakaŋga ɀarairwa naMosesi pamberi pomukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋuŋgano yose ikasweɗera, ʋakamira pamberi paJehova. Ipapo Mosesi akati: Ndico cinhu cakarairwa naJehova kuti muciite, kuti kubginya kwaJehova kuɀiratidze kwamuri. Mosesi akati kunaAroni: Sweɗera kuartari uɓayire cipiriso cako ceɀiʋi, necipiriso cako cinopiswa, uɀiyananisire iwe naʋanhu; uʋuye ʋo necipo caʋanhu, kuti uʋayananisire, seɀakarairwa naJehova.
Revhitiko 9:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)