Revhitiko 6:8-13
Revhitiko 6:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari. Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari. Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa. Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima.
Revhitiko 6:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Raira Aroni navanakomana vake, uti, ‘Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro peatari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.’ Zvino mupristi ngaafuke nguo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paatari, aaise parutivi rweatari. Zvino ngaabvise nguo dzake, afuke dzimwe nguo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka. Moto paatari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupristi anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose; zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo. Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro peatari nguva dzose, urege kudzima.
Revhitiko 6:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupisa ndouyu: Mupiro wokupisa unofanira kurara uri pamoto, paatari, usiku hwose kusvikira mangwanani. Moto wepaatari unofanira kugara uchipfuta nguva dzose.’ Mupristi anofanira kuzopfeka gemenzi rake rerineni, apfekewo bhurukwa rake romukati rerineni, ahworere dota remoto womupiro wokupisa rinenge riri paatari, ariise munyasi meatari. Anozofanira kuzobvisa hanzu dzake idzodzo, apfeke dzimwe, atakure dota riya aende naro kunze kwaatendhe kunzvimbo yakachena. Moto wapaatari ngaugare uchipfuta nguva dzose, musaurege uchidzima. Mupristi ngaaise huni pamoto iwoyo mangwanani oga oga, aronge nyama yomupiro wokupisa pauri, apisirepo mafuta emupiro wokuwadzana. Moto wapaatari ngaurambe uchipfuta, haufanire kudzima.
Revhitiko 6:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Raira Aroni naʋanakomana ʋake, uti: Murairo wecipiriso cinopiswa ndiwo: Cipiriso cinopiswa cinofanira kuʋata pacoto pamsoro peartari ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwanani, mŋoto urambe ucipfuta pamsoro paco. Ɀino muprista ŋgaafuke ŋguʋo yake yomuceka, nokufuka ʋo buruku rake romuceka pamuʋiri wake, abvise maɗota ecipiriso cinopiswa, capiswa nomŋoto paartari, aaise parutiʋi rweartari. Ɀino ŋgaabvise ŋguʋo dzake, afuke dzimŋe ŋguʋo, agotakurira maɗota kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka. Mŋoto paartari unofanira kuramba ucipfuta pamsoro payo, haufaniri kudzima; muprista unofanira kuɓatidza huni pamsoro payo maŋgwanani ose; ɀino ŋgaagadzire cipiriso cinopiswa pamsoro payo, apise mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro payo. Mŋoto ŋgaurambe ucipfuta pamsoro peartari ŋguʋa dzose, urege kudzima.
Revhitiko 6:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)