Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 6:12-13 - Compare All Versions

Revhitiko 6:12-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 6 BDSC

Revhitiko 6:12-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Moto paatari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupristi anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose; zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo. Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro peatari nguva dzose, urege kudzima.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 6 SNA2002

Revhitiko 6:12-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Moto wapaatari ngaugare uchipfuta nguva dzose, musaurege uchidzima. Mupristi ngaaise huni pamoto iwoyo mangwanani oga oga, aronge nyama yomupiro wokupisa pauri, apisirepo mafuta emupiro wokuwadzana. Moto wapaatari ngaurambe uchipfuta, haufanire kudzima.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 6 SCLBD

Revhitiko 6:12-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋoto paartari unofanira kuramba ucipfuta pamsoro payo, haufaniri kudzima; muprista unofanira kuɓatidza huni pamsoro payo maŋgwanani ose; ɀino ŋgaagadzire cipiriso cinopiswa pamsoro payo, apise mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro payo. Mŋoto ŋgaurambe ucipfuta pamsoro peartari ŋguʋa dzose, urege kudzima.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 6 SUB1949

Revhitiko 6:12-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Moto wapaatari ngaugare uchipfuta nguva dzose, musaurege uchidzima. Mupristi ngaaise huni pamoto iwoyo mangwanani oga oga, aronge nyama yomupiro wokupisa pauri, apisirepo mafuta emupiro wokuwadzana. Moto wapaatari ngaurambe uchipfuta, haufanire kudzima.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 6 SCLB