Revhitiko 6:1-30
Revhitiko 6:1-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondobwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari. Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari. Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa. Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari. Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana. Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene-tsvene. Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kuzvizvarwa zvichatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ” Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru. Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka, mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose. Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene. Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana. Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene. Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura. Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene. Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.
Revhitiko 6:1-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Kana munhu akatadza, akadarika murayiro waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake; kana akanonga chakanga charashika, akanyengera pachiri, akapika nhema; pachinhu chipi nechipi chazvose izvo, kana munhu achinge aita akatadza pachiri; zvino kana akatadza, ane mhosva, anofanira kudzosa chaakanga atora nokuba, kana chaakanga awana nokumanikidza, kana chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga charashika akachinonga; kana chinhu chipi nechipi chaakanga apika nhema pamusoro pacho; ngaachidzose chose, awedzere kwachiri cheshanu chacho, achipe muridzi wacho nomusi waanowanikwa kuti ane mhosva. Anofanira kuuya kumupristi nechipiriso chemhosva yake kuna Jehovha, chegondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunotara iwe, chive chipiriso chemhosva; zvino mupristi amuyananisire pamberi paJehovha, akanganwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita.” Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Raira Aroni navanakomana vake, uti, ‘Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro peatari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.’ Zvino mupristi ngaafuke nguo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paatari, aaise parutivi rweatari. Zvino ngaabvise nguo dzake, afuke dzimwe nguo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka. Moto paatari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupristi anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose; zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo. Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro peatari nguva dzose, urege kudzima. “Murayiro wechipiriso choupfu ndiwo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha paatari. Zvino ngaatsamure tsama imwe yake youpfu, namamwe mafuta acho, nezvinonhuwira zvose zviri pamusoro pechipiriso choupfu, azvipise pamusoro peatari, chive chinonhuwira zvakanaka, chokurangaridza chacho, kuna Jehovha. Zvakasara zvacho ngazvidyiwe naAroni navanakomana vake; zvidyiwe zvisina mbiriso panzvimbo tsvene; ngavazvidye paruvanze rwetende rokusangana. Ngazvirege kubikwa nembiriso; ndakavapa icho, uve mugove wavo wezvipiriso zvangu zvinoitwa nomoto; chinhu chitsvene kwazvo, sechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva. Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.” Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Ndicho chipo chaAroni nechavanakomana vake chavanofanira kupa Jehovha nomusi waanozodzwa nawo: Chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu nguva dzose, hafu yacho mangwanani, hafu yacho madekwana. Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu-zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Mupristi unozodzwa panzvimbo yake pakati pavanakomana vake, ndiye anofanira kuuya nacho; uve mutemo usingaperi kuti chipisirwe Jehovha chose. Chipiriso chimwe nechimwe choupfu chomupristi chinofanira kupiswa chose; hachifaniri kudyiwa.” Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura naAroni navanakomana vake uti, ‘Murayiro wechipiriso chezvivi ndiwo: Panourayiwa chipiriso chinopiswa ndipo panofanira kuurayirwawo chipiriso chezvivi pamberi paJehovha; chitsvene kwazvo.’ Mupristi unochibayira pamusoro pezvivi, ndiye anofanira kuchidya; chinofanira kudyiwa panzvimbo tsvene, paruvanze rwetende rokusangana. Chinhu chipi nechipi chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene; kana rimwe ropa racho rikadonhera panguo ipi neipi, unofanira kusuka icho chakadonherwa naro panzvimbo tsvene. Asi hari yevhu mayakabikirwa, inofanira kuputswa; kana yakabikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura. Zvino varume vose kuvapristi vanofanira kuchidya; chitsvene kwazvo. Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.
Revhitiko 6:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ngatiti munhu atadzira Tenzi, akatadza kuve munhu anovimbika kwaari nokunyengedza kwaanoita mumwe wake panyaya dzokubatiswa zvinhu, kana dzokuchengeteswa zvinhu, kana dzokupamba zvinhu, kana dzokuwana zvinhu kune mumwe wako nomutoo usina kunaka, kana kuti owana chinhu chomumwe chakarashika, onyepa achipika zvenhema zvake nezvacho, kana sezvinongoitwa navanhu mune zvimwe zvizhinji zvavanoita vachizotadza, kana munhu akanganisa achipara mhosva mukudaro, ngaadzosere zvaakapamba, kana zvaawana nechisimba, kana zvaakanga abatiswa achichengeteswa, kana chakanga charasika chaakanhonga, kunyange chiya chaakatopika nezvacho zvenhema. Ngaachidzosere chakanyatsokwana, anofanira kuwedzera chikamu cheshanu pachiri achipe kumuridzi wacho musi wokupira chibayiro chake chokupfupira zvitadzo. Anofanira kuuya kumupristi nomupiro wake wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka uteme mutengo wayo womupiro wenhendamurandu. Mupristi anofanira kumupirira mupiro wokupfupira zvitadzo pana Tenzi aregererwe.” Munhu iyeyo anoregererwa chaakakanganisa panyaya dzezvinhu zvingakanganiswe navanhu vachipara mhosva. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupisa ndouyu: Mupiro wokupisa unofanira kurara uri pamoto, paatari, usiku hwose kusvikira mangwanani. Moto wepaatari unofanira kugara uchipfuta nguva dzose.’ Mupristi anofanira kuzopfeka gemenzi rake rerineni, apfekewo bhurukwa rake romukati rerineni, ahworere dota remoto womupiro wokupisa rinenge riri paatari, ariise munyasi meatari. Anozofanira kuzobvisa hanzu dzake idzodzo, apfeke dzimwe, atakure dota riya aende naro kunze kwaatendhe kunzvimbo yakachena. Moto wapaatari ngaugare uchipfuta nguva dzose, musaurege uchidzima. Mupristi ngaaise huni pamoto iwoyo mangwanani oga oga, aronge nyama yomupiro wokupisa pauri, apisirepo mafuta emupiro wokuwadzana. Moto wapaatari ngaurambe uchipfuta, haufanire kudzima. “Mutemo womupiro wembesanwa ndouyu: vanakomana vemhuri yekwaAroni vanofanira kupira mupiro wembesanwa pana Tenzi pamberi peatari. Mumwe wavo anofanira kunokora chanza chizere choupfu hwekoroni, hwakatsetseka, hwemupiro wembesanwa hwechirango, namafuta ahwo, norusenzi rwose rwuri pamupiro wembesanwa, apise paatari, kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi. Aroni navanakomana vemhuri yake ndovachadya zvinenge zvasara zvinofanira kudyiwa panzvimbo inoera zvisina mbiriso. Ngavadyire muruvanze rwetendhe rokusanganira. Ngazvirege kubikwa nembiriso. Ndazvipa kwaari somugove wavo kubva pamipiro yangu inoitwa zvokupiswa nomoto, chinhu chinoera kwazvo sezvakaita mupiro wokupfupira zvitadzo, nomupiro wokuripa mhosva. Varume vose vemhuri yekwaAroni ndovanobvumirwa kuzvidya, somurao unogara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose chichibva pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa. Ani naani anenge azvibata anobva ava munhu anoera.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Mupiro uchapirwa kuna Tenzi naAroni navanakomana vemhuri yake pazuva raanogadzwa ndouyu: ngaapire marita maviri eupfu hwekoroni, hwakatsetseka semupiro wembesanwa wezuva nezuva, ahukamure nepakati, apire humwe mangwanani humwe manheru. Chingwa ichocho ngachive choupfu hwakakanyiwa pamwechete namafuta, chakabikwa mupani. Ngaachimedure-medure chisasikirwe Tenzi somupiro wembesanwa, unonhuhwirira zvinomufadza. Mupristi pakati pavana vaAroni anenge azodzwa kuva mupristi kutsiva Aroni, ngaaupire kuna Tenzi sechinhu chakatemwa nokusingaperi, mupiro wose iwoyo ngaupiswe. Mupiro wembesanwa iwoyo womupristi ngaupiswe wose, haufaniri kudyiwa.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupfupira zvitadzo ndouyu: chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo ngachiurayirwe panourayirwa zvibayiro zvokupisa pamberi paTenzi.’ Mupiro iwoyo unoera kwazvo. Mupristi anenge apira chibayiro ichochi chokupfupira zvitadzo ngaachidye panzvimbo inoera, muruvanze rwetendhe rokusanganira. Chii zvacho chinenge chagunzvana nenyama yechibayiro ichocho chichava chinoera. Kana ropa rechibayiro ichocho rikadonhera pahanzu ngaisukirwe panoera. Hari yevhu inenge yabikirwa nyama iyoyo ngaiputswe. Asi kana yabikirwa mupoto yondarira kweshai poto iyoyo muisukurudze nemvura. Vanhurume vose vemhuri dzavapristi vanobvumirwa kuidya, mupiro iwoyo unoera kwazvo. Hapana chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo chinofanira kudyiwa kana ropa racho rambounzwa mutendhe rokusanganira kuzopfupira zvitadzo. Chibayiro ichocho chose zvacho ngachipiswe.
Revhitiko 6:1-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Kana munhu akatadza, akaɗarika murairo waJehova, akanyeŋgera wokwake pacinhu caakaŋga apiwa kuceŋgeta, kana cakaŋga caiswa paruʋoko rwake, kana pakumuɓira, kana pakumanikidza wokwake; kana akanoŋga cakaŋga carashika, akanyeŋgera paciri, akapika nhema; pacinhu cipi necipi caɀose iɀo, kana munhu aciŋge aita akatadza paciri; ɀino kana akatadza, anemhoȿa, unofanira kudzosa caakaŋga atora nokuɓa, kana caakaŋga awana nokumanikidza, kana caakaŋga apiwa kuceŋgeta, kana cakaŋga carashika akacinoŋga; kana cinhu cipi necipi caakaŋga apika nhema pamsor paco; ŋgaacidzose cose, awedzere kwaciri ceshanu caco, acipe muridzi waco nomusi waanowanikwa kuti unemhoȿa. Unofanira kuʋuya kumuprista necipiriso cemhoȿa yake kunaJehova, cegondobge ramakwai ake risinemhoȿa, seɀaunotara iwe, ciʋe cipiriso cemhoȿa; ɀino muprista amuyananisire pamberi paJehova, akaŋganwirwe pamsoro pemhoȿa ipi neipi yaakaita. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Raira Aroni naʋanakomana ʋake, uti: Murairo wecipiriso cinopiswa ndiwo: Cipiriso cinopiswa cinofanira kuʋata pacoto pamsoro peartari ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwanani, mŋoto urambe ucipfuta pamsoro paco. Ɀino muprista ŋgaafuke ŋguʋo yake yomuceka, nokufuka ʋo buruku rake romuceka pamuʋiri wake, abvise maɗota ecipiriso cinopiswa, capiswa nomŋoto paartari, aaise parutiʋi rweartari. Ɀino ŋgaabvise ŋguʋo dzake, afuke dzimŋe ŋguʋo, agotakurira maɗota kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka. Mŋoto paartari unofanira kuramba ucipfuta pamsoro payo, haufaniri kudzima; muprista unofanira kuɓatidza huni pamsoro payo maŋgwanani ose; ɀino ŋgaagadzire cipiriso cinopiswa pamsoro payo, apise mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro payo. Mŋoto ŋgaurambe ucipfuta pamsoro peartari ŋguʋa dzose, urege kudzima. Murairo wecipiriso coʋupfu ndiwo: Ʋanakomana ʋaAroni ʋanofanira kuʋuya naco pamberi paJehova paartari. Zino ŋgaatsamure tsama imŋe yake yoʋupfu bgakatsetseka bgecipiriso coʋupfu, namamŋe mafuta aco, neɀinonhuwira ɀose ɀiri pamsoro pecipiriso coʋupfu, aɀipise pamsoro peartari, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, cokuraŋgaridza caco, kunaJehova. Ɀakasara ɀaco ŋgaɀidyiwe naAroni naʋanakomana ʋake; ɀidyiwe ɀisinembiriso panɀimbo tȿene; ŋgaʋaɀidye paruʋazhe rwetente rokusoŋgana. Ŋgaɀirege kuɓikwa nembiriso; ndakaʋapa ico, uʋe mugoʋe waʋo weɀipiriso ɀaŋgu ɀinoitwa nomŋoto; cinhu citȿene kwaɀo, secipiriso ceɀiʋi, necipiriso cemhoȿa. Ʋarume ʋose kuʋana ʋaAroni ŋgaʋaɀidye, uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose paɀipiriso ɀose ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; munhu upi noupi unoɀiɓata, ucaʋa mutȿene. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Ndico cipo caAroni necaʋanakomana ʋake caʋanofanira kupa Jehova nomusi waanozodzwa nawo: Cegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu ŋguʋa dzose, hafu yaco maŋgwanani, hafu yaco maɗekwana. Ŋgaciɓikwe namafuta mugaŋgo; kana caibva, uʋuye naco; unofanira kuʋuya necipiriso coʋupfu ɀimeɗu‐ɀimeɗu ɀakakaŋgwa, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Muprista unozodzwa panɀimbo yake pakati paʋanakomana ʋake, ndiye unofanira kuʋuya naco; uʋe mutemo usiŋgaperi kuti cipisirwe Jehova cose. Cipiriso cimŋe necimŋe coʋupfu comuprista cinofanira kupiswa cose; hacifaniri kudyiwa. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naAroni naʋanakomana ʋake uti: Murairo wecipiriso ceɀiʋi ndiwo: Panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa ndi’po panofanira kuʋurayirwa ʋo cipiriso ceɀiʋi pamberi paJehova; citȿene kwaɀo. Muprista unociɓayira pamsoro peɀiʋi, ndiye unofanira kucidya; cinofanira kudyiwa panɀimbo tȿene, paruʋazhe rwetente rokusoŋgana. Cinhu cipi necipi cinogunɀa nyama yaco cicaʋa citȿene; kana rimŋe ropa raco rikaɗonhera paŋguʋo ipi neipi, unofanira kusuka ico cakaɗonherwa naro panɀimbo tȿene. Asi hari yevu mayakaɓikirwa, inofanira kuputswa; kana yakaɓikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura. Ɀino ʋarume ʋose kuʋaprista ʋanofanira kucidya; citȿene kwaɀo. Ɀipiriso ɀose ɀeɀiʋi, kana rimŋe ropa raɀo rakaiswa mutente rokusoŋgana kuzoyananisira panɀimbo tȿene, ŋgaɀirege kudyiwa; ɀinofanira kupiswa nomŋoto.
Revhitiko 6:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)