Revhitiko 27:30-33 - Compare All Versions
Revhitiko 27:30-33 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho. Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha. Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ”
Revhitiko 27:30-33 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. Kana munhu achida kudzikinura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho. Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha. Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanhisa nechimwe; kana achinge atsinhanhisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwi.”
Revhitiko 27:30-33 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀegumi ɀose ɀenyika, kana ɀiri ɀembeu dzenyika, kana micero yemiti, ndeɀaJehova; ɀitȿene kunaJehova. Kana munhu aciɗa kudzikinura cimŋe paɀegumi ɀake, unofanira kuwedzera kwaciri ceshanu caco. Ɀegumi ɀose ɀeŋombe, kana ɀeɀipfuwo ɀiɗuku, ɀose ɀinopfuʋura napazasi petȿimbo, cegumi cinofanira kuʋa citȿene kunaJehova. Haafaniri kucerekedza kana ciri cakanaka kana cakaipa, kana kucitsinhanhisa necimŋe; kana aciŋge atsinhanhisa necimŋe, ɀose ɀiri ɀiʋiri, ico necakatsinhiwa, ɀicaʋa ɀitȿene; haɀiŋgadzikinurwi.
Revhitiko 27:30-33 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chegumi chembesa kana chemichero yamunorima chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Kana munhu akada kununura chegumi chake, ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga. Chegumi chose zvacho chemombe nechezvimwe zvipfuwo zvichireva kuti kana muchiverenga zvipfuwo, chipfuwo chipi nechipi chechigumi chinoera, chakatsaurirwa Tenzi. Muridzi wacho ngaarege kutinha zvipfuwo zvake achizvironga nomutoo wokuti zvipfuwo zvisina maturo zvisarudzirwe Tenzi. Ngaaregewo kuzvitsinhanisa nezvimwe zvipfuwo. Kana akatsinhanisa chipfuwo ichocho nechimwe chipfuwo zvose zviri zviviri nechatsinhaniswa nacho zvatova zvinoera. Hazvifaniri kana kumbodzikinurwa.”
Revhitiko 27:30-33 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)