Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 26:14-21 - Compare All Versions

Revhitiko 26:14-21 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“ ‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira, uye mukaramba mitemo yangu, mukasema mirayiro yangu, mukatadza kuzadzisa zvose zvandakarayira, saizvozvo mukaputsa sungano yangu, ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya. Chiso changu chichanangana nemi zvokuti muchakundwa navavengi venyu. Avo vanokuvengai vachakutongai, uye muchatiza kunyange pasina anokudzinganisai. “ ‘Kana mukasanditeerera mushure maizvozvi zvose, ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu. Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu ndigoita kuti denga renyu rive sesimbi, uye ivhu riri pasi penyu sendarira. Simba renyu richaperera pasina nokuti ivhu renyu harizobereki zvibereko, kana miti yenyika yenyu, michero yayo. “ ‘Kana mukaramba muchirwisana neni uye mukaramba kunditeerera, ndichawedzera matambudziko enyu zvakapetwa kanomwe, sezvakafanira zvivi zvenyu.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 BDSC

Revhitiko 26:14-21 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose; kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu, neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadyara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya. Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyange kusina munhu unokudzingai. “Zvino kunyange zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira; simba renyu richaperera pasina; nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo. “Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe madambudziko pamusoro pezvivi zvenyu.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SNA2002

Revhitiko 26:14-21 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Kana mukarega kunditeerera, mukarega kuchengeta mitemo iyoyo, kana mukaramba mirao yangu, imi nemwoyo yenyu mofuratira zvirevo zvangu, morega kuchengeta mitemo yangu, mochityora zvenyu chitenderano changu nemi, zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya. Ndichaonana nemi, vavengi venyu vachakurakashai; vanokuvengai ndivo vachakutongai muchatiza pasina anokutandanisai. “Ngatiti maoneswa nhamo idzodzo, asi imi moramba musinganditeereri ini ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe. Chinokuinzvai chacho ndichachityora-tyora. Ndicharambidza denga kunaya, richaita serakadzivirirwa nesimbi, ivhu raunotsika richaomarara somundarira. Simba renyu richaperera pasina nokuti hapana chamuchazokohwa muminda yenyu, miti yemichero yomunyika yenyu haina kana muchero wainozokupai. “Kana mukaramba muchipikisana neni, muchirega kunditeerera, ndichakupinzai mune dzimwe njodzi, ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SCLBD

Revhitiko 26:14-21 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi kana musiŋgaɗi kunditerera, musiŋgaɗi kuita mirairo iyi yose; kana muciramba mitemo yaŋgu, kana mŋeya yenyu icisema ɀandakatoŋga, kuti murege kuɗa kuita mirairo yaŋgu yose, asi muciputsa suŋgano yaŋgu, neni ʋo ndicakuitirai iɀi: Ndicaʋuyisa ɀinotyisa pamsoro penyu, hosha yorukosoro nefiviri ɀicaparadza meso nokuwondisa mŋeya yenyu; mucadɀara mbeu yenyu pasina, nokuti ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaɀidya. Ndicakutoŋgai kuti mukundwe pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu, ʋanokuʋeŋgai ʋacaʋa ʋaɓati ʋenyu; mucatiza kunyaŋge kusinomunhu unokudziŋgai. Ɀino kunyaŋge ɀakaɗaro kana musiŋgaɗi kunditerera, ndicawedzera kukuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu. Ndicaputsa kuɀikudza kwenyu pamsoro pesimba renyu, ɗeŋga renyu ndicariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira; simba renyu ricaperera pasina; nokuti nyika yenyu haiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀayo, nemiti yenyika haiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀayo. Kana mucindiramba, musiŋgaɗi kunditerera, ndicawedzera kanomŋe maɗambudziko pamsoro peɀiʋi ɀenyu.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SUB1949

Revhitiko 26:14-21 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Kana mukarega kunditeerera, mukarega kuchengeta mitemo iyoyo, kana mukaramba mirao yangu, imi nemwoyo yenyu mofuratira zvirevo zvangu, morega kuchengeta mitemo yangu, mochityora zvenyu chitenderano changu nemi, zvandichaita kwamuri ndezvizvi: ndichakutsvatai nenhamo dzinodederesa, muchaperezeka muchipisa muviri nechirwere chinokupofomadzai muchizoondoroka zvokufa. Muchadyarira mbeu dzenyu pasina, nokuti vavengi venyu ndovachadzidya. Ndichaonana nemi, vavengi venyu vachakurakashai; vanokuvengai ndivo vachakutongai muchatiza pasina anokutandanisai. “Ngatiti maoneswa nhamo idzodzo, asi imi moramba musinganditeereri ini ndichakurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe. Chinokuinzvai chacho ndichachityora-tyora. Ndicharambidza denga kunaya, richaita serakadzivirirwa nesimbi, ivhu raunotsika richaomarara somundarira. Simba renyu richaperera pasina nokuti hapana chamuchazokohwa muminda yenyu, miti yemichero yomunyika yenyu haina kana muchero wainozokupai. “Kana mukaramba muchipikisana neni, muchirega kunditeerera, ndichakupinzai mune dzimwe njodzi, ndichikurangirai zvitadzo zvenyu kakapetwa kanomwe.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SCLB