Revhitiko 18:24-30
Revhitiko 18:24-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo. Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo. Asi imi munofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Zvizvarwa zvenyu navatorwa vagere pakati penyu havafaniri kuita kana chimwe chezvinhu zvinonyangadza izvi, nokuti zvinhu zvose izvi zvakaitwa navanhu vaigara munyika iyoyo musati mavamo, uye nyika ikasvibiswa. Uye kana mukasvibisa nyika, ichakurutsirai kunze sokurutsa kwayakaita ndudzi dzaigaramo imi musati mavamo. “ ‘Ani naani anoita zvinonyangadza izvi, vanhu vakadaro vanofanira kubviswa kubva pavanhu vokwavo. Chengetai zvandakakurayirai uye musatevedzera kana imwe yetsika dzinonyangadza dzaiitwa musati mauya, uye musazvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
Revhitiko 18:24-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu; nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo. Naizvozvo imi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu. (Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;) kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai. Nokuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo. Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Revhitiko 18:24-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Usazvin'orese nezviito zvakadaro nokuti ndudzi dzavanhu vomunyika yamuchandogara dzandichadzinga dzakazvin'oresa nezviito izvozvo. Nyika yavo yakan'oreswa nezviito zvavo saka ndakairanga pamusana pouipi hwayo, nyika iyoyo ikaita zvokurutsa vanhu vemo. Asi imi mose zvizvarwa zvemo navatorwa vagere nemi, chengetai mitemo nemirao yangu, murege kuita chii zvacho chakaipa chikadai. Ndinodaro nokuti vanhu vakanga varimo, imi musati mavemo vakaita zvinhu zvakaipisisa izvozvi vakan'oresa nyika iyoyo. Kana imi mukan'oresa nyika, ingadaro ikakurutsai somurutsiro wayakaita vanhu vaimbogaramo imi musati mavemo. Ani naani anoita tsika dzakaipa dzikadai achachekwa ukama nevokwake. “Naizvozvo, chengetai zvandinoreva musambofa zvenyu makaita tsika idzodzi dzakaipa dzikadaro dzaiitwa navanhu vaigaramo imi musati mavemo. Musambozvin'oresa netsika idzodzo. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu.”
Revhitiko 18:24-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Regai kuɀiȿiɓisa kunecinhu cimŋe caiɀoɀi; nokuti ʋahedeni ʋakaȿiɓiswa neɀinhu iɀi ɀose, iʋo ʋandakadziŋga pamberi penyu; nenyika yakaȿiɓiswa; naiɀoɀo ndinoiroʋa pamsoro peɀakaipa ɀayo, nyika irutse ʋanhu ʋagere’mo. Naiɀoɀo imi ceŋgetai mitemo yaŋgu neɀandakatoŋga, kuti murege kuita cinhu cimŋe caiɀoɀo ɀinonyaŋgadza; kana ari wakaɓerekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu. (Nokuti ʋanhu ʋenyika ino, ʋakakutaŋgirai, ʋakaita ɀinhu iɀi ɀose ɀinonyaŋgadza, nyika ikaȿiɓiswa;) kuti nyika irege kukurutsai ʋo, kana muciiȿiɓisa, seɀayakarutsa ʋanhu ʋakakutaŋgirai. Nokuti aninani unoita cinhu cimŋe caiɀoɀi ɀinonyaŋgadza, ʋanhu ʋanoɀiita ʋacabviswa pakati porudzi rwaʋo. Naiɀoɀo ceŋgetai ɀandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyaŋgadza, dzaiitwa musati maʋa’po, kuti murege kuɀiȿiɓisa naɀo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Revhitiko 18:24-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)