Revhitiko 18:1-5
Revhitiko 18:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu. Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo. Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.
Revhitiko 18:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Ndini Jehovha, Mwari wenyu. Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo. Itai zvandakatonga ini, chengetai zvirevo zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.’ Naizvozvo chengetai zvirevo zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha.
Revhitiko 18:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wavo. Musatevedzere tsika dzinoitwa navanhu vokuIjipiti kwamaigara kunyange kutevedzera tsika dzinoitwa navanhu vokuKanani kwandiri kukuendesai. Musatevedzere maitiro avo. Munofanira kuchengeta mitemo yangu nokuteerera mirao yangu, ive gwara renyu ramunofamba naro, Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Saka chengetai mirao yangu nemitemo yangu nokuti munhu anoichengeta, inomupa upenyu, ndini Tenzi.’
Revhitiko 18:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Ndini Jehova, Mŋari wenyu. Regai kuita seɀakaŋga ɀiciitwa panyika yeEgipita mamakaŋga mugere, ʋuye regai kuita seɀinoitwa panyika yeKanani, kwandicazokuisai; musafamba netsika dzaʋo. Itai ɀandakatoŋga ini, ceŋgetai ɀireʋo ɀaŋgu, kuti mufambe maɀiri; ndini Jehova, Mŋari wenyu. Naiɀoɀo ceŋgetai ɀireʋo ɀaŋgu, neɀandakatoŋga; kana munhu akaɀiita ucararama naɀo; ndini Jehova.
Revhitiko 18:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)