Revhitiko 13:45-46
Revhitiko 13:45-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Munhu ane chirwere chinotapukira ichi anofanira kupfeka nguo dzakabvaruka, osiya bvudzi rake risina kukamwa, ofukidza chikamu chepasi cheuso hwake, odanidzira achiti, ‘Handina kuchena! Handina kuchena!’ Kana aramba ane chirwere ichocho anongoramba asina kuchena. Anofanira kugara oga; anofanira kugara kunze kwomusasa.
Revhitiko 13:45-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, ‘Ndakaipa, ndakaipa!’ Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
Revhitiko 13:45-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Munhu ane chirwere chamapere ngaapfeke marengenya, arege vhudzi rake rakaita jakuchichi, afukidze chirebvu chake adaidzire achiti, ‘Ndakan'ora! Ndakan'ora!’ Achagara ari munhu akan'ora panguva yose yaanenge aine chirwere ichocho. Munhu akan'ora kwaanogara ngaagare ari oga, kwaanogara kunze kwematendhe.
Revhitiko 13:45-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino munhu unamaperembudzi, unehosha iyo, ŋguʋo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevudzi romusoro wake rinofanira kusunuŋgurwa, ʋuye unofanira kufukidza muromo wake wokumsoro, agoɗanidzira, aciti: Ndakaipa, ndakaipa! Mazuʋa ose aanehosha iyo, ucaʋa usina‐kunaka; haana‐kunaka; ŋgaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuʋa kunze kwemisasa.
Revhitiko 13:45-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)