Revhitiko 10:1-3
Revhitiko 10:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuhwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuhwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira. Saka naizvozvo moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukavapisa vose ndokubva vafa pamberi paJehovha. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: “ ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ” Aroni akaramba anyerere.
Revhitiko 10:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira. Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha. Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, ‘Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose.’ ” Aroni akanyarara.
Revhitiko 10:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe. Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukavaparadza, vakafira pana Tenzi ipapo. Mosesi akataurira Aroni achiti, “Hezvoka! Handiti ndizvo zvakamboreva Mwari achiti, ‘Ndicharatidza vanhu vose vanouya kwandiri kuti ini ndinoera uyewo vanhu vose vachandiremekedza.’ ” Asi Aroni akadumbirwa nazvo akapererwa neromuromo.
Revhitiko 10:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Nadabi naAbihu, ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatora mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, ʋakaisa’mo mŋoto, ndokuisa ɀinonhuwira pamsoro pawo, ʋakaʋuya pamberi paJehova nomŋoto usina‐kutenderwa waasina‐kuraira. Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukaʋaʋuraya, ʋakafa pamberi paJehova. Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara.
Revhitiko 10:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)