Revhitiko 10:1
Revhitiko 10:1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuhwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuhwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira.
Revhitiko 10:1 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
Revhitiko 10:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nadhabhu naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora mabisiro avo vakaisa maari moto, vakamwaya rusenzi pamusoro pawo vakapira kuna Tenzi, moto usiri pamutemo, usiriwo wakanga wanzi naTenzi upirwe.
Revhitiko 10:1 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Nadabi naAbihu, ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatora mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, ʋakaisa’mo mŋoto, ndokuisa ɀinonhuwira pamsoro pawo, ʋakaʋuya pamberi paJehova nomŋoto usina‐kutenderwa waasina‐kuraira.