Kuungudza kwaJeremia 3:21-24 - Compare All Versions
Kuungudza kwaJeremia 3:21-24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
Kuungudza kwaJeremia 3:21-24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru. Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru. Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)