Kuungudza kwaJeremia 3:21-23
Kuungudza kwaJeremia 3:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru.
Kuungudza kwaJeremia 3:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)