Kuungudza kwaJeremia 1:1-5
Kuungudza kwaJeremia 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pendudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa. Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo. Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. Anogara pakati pendudzi; haawani nzvimbo yokuzorora. Vose vaimudzinganisa vakamubata ari pakati pokutambudzika kwake. Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru. Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi.
Kuungudza kwaJeremia 1:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamwoyo pakati penyika, rovigira mutero. Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikanwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo. Judha aenda kuutapwa nokuda kwokutambudzika, nokuda kwokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi haavane zororo, vose vaidzingana navo vakamuvata pakamanikana. Nzira dzeZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuo aro ose akaparadzwa, vapristi varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa. Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
Kuungudza kwaJeremia 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
O babawe kani! Guta riya rangove guta iwe guta raimbove bvakapfaka ravanhu. Kuita sechirikadzi kudai! Guta raimbova mambokadzi chaiye pamaguta ose nhasi pidigu rava murandawo zvake. Usiku rinosvimha misodzi zvinosiririsa, misodzi ichiti mekete mekete, pamatama aro. Pazvikomba hapana kana mumwe wokurinyaradza. Shamwari dzake dzose dzakaritamba isina kunaka, ivo ndivo vatova mhandu dzaro. VaJudha, pamusana penhamo, vatapwa noutapwa vakapindana nouranda hwakaomarara vachiti njo mukati mevechirudzi, ivo pokugara vasina, vanodzingirira vaya vakavawira panguva yedambudziko ravo. Nzira dzokuenda kuZioni dzinoungudza nokuti anouya kumazuva makuru akatemwa hapana. Misuo yaro mikuru yachiti haradada kushama. Vapristi varo vari kugomera, vanasikana varo vakakwekweretswa, iro guta pacharo riri kutambura zvikuru. Mhandu dzavo ndidzo dzava pamusoro, vavengi varo ndivo vabudirira, nokuti Tenzi akavapinza dambudziko pamusana pezvikanganiso zvaro, vana varo vaenda kuutapwa vachitinhwa navavengi vavo.
Kuungudza kwaJeremia 1:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, guta, rakaŋga rizere naʋanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakaŋga riri guru pakati pamarudzi, raʋa secirikadzi! Iro, rakaŋga riri ʋamŋoyo pakati penyika, roʋigira mutero. Rinocema ɀikuru ʋusiku, misodzi yaro iri pamatama aro; Pakati paʋaɗiwa ʋaro ʋose rinoshaiwa muʋaraidzi, Shamŋari dzaro dzose dzarinyeŋgera, dzashanduka ʋaʋeŋgi ʋaro. Juda ʋaenda kuʋutorwa nokuɗa kwokutambudzika, nokuɗa kwokuɓatiswa ɀikuru; Ʋanogara pakati pamarudzi, asi haʋawani zororo, Ʋose ʋaidziŋgana naʋo ʋakaʋaɓata pakamanikana. Nzira dzeZioni dzinocema, nokuti hakuna‐wakaʋuya kumutambo, Masuʋo aro ose akaparadzwa, ʋaprista ʋaro ʋanogomera, Mhandara dzaro dzinotambudzika, iro rimene rinoʋaʋirwa. Ʋadziʋisi ʋaro ndiʋo ʋaʋa ʋakuru, ʋaʋeŋgi ʋaro ʋanofara; Nokuti Jehova wakaritambudza nemhaka yokuɗarika kwaro kuzhinji; Ʋana ʋaro ʋaɗuku ʋakaenda kuʋutorwa pamberi pomudziʋisi.
Kuungudza kwaJeremia 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)