Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Judha 1:17-25 - Compare All Versions

Judha 1:17-25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi, vadikani, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.” Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya. Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene. Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni avo vanokahadzika; bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama. Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru, kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni.

Pakurirana nevamwe
Judha 1 BDSC

Judha 1:17-25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi imi vadikanwi, rangarirai mashoko akambotaurwa navapostori vaIshe wedu, Jesu Kristu; kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.” Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi. Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyange nenguo yakasvibiswa nenyama. Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Judha 1 SNA2002

Judha 1:17-25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi munofanira kuyeuka hama dzangu zvakafanotaurwa navapositori vaTenzi wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri: “Mumazuva okupedzisira kuchava navadadi vanotevedza mapangiro avo asina zvaMwari.” Vanhu ivavo imharadzi dzavanhu, vanhu venyika vasina Mweya. Asi imi hama dzangu ibvai mazvivaka pachitendero chenyu chinoera kwazvo kwazvo. Namatai muina Mweya Mutsvene. Rambai muchingodana naMwari. Rambai makangotarisira kuti Tenzi Jesu Kristu achakuitirai nyasha dzinokusvitsai kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni vanokahadzika mununure vamwe vavo nokuvabura muchoto. Vamwe vaitirei zvenyu tsitsi asi muchivatya, muchitovenga kunyange hanzu dzavo dzakaita mavara mavara nokutadza, dzakasvibiswa nemiviri yavo. Zvino kuna iye anokwanisa kukuchengetedzai musina kuputsika achikusvitsai musina chinoshoreka muchifara paari mumbiri yake kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Judha 1 SCLBD

Judha 1:17-25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi imi ʋaɗikanwa, raŋgarirai mashoko akaɗeya kutaurwa naʋaapostora ʋaShe weɗu, Jesu Kristu; kuti ʋakakuʋudzai kuti neŋguʋa yokupedzisira ʋaseki ʋacaʋa’ko, ʋanofamba nokuciʋa kwaʋo ʋasiŋgaɗi Mŋari. Ndiʋo ʋanoparadzansia, ndoʋenyama, ʋasinoMŋeya. Asi imi ʋaɗikanwa, muɀiʋake pakutenda kwenyu kutȿene‐tȿene, munyeŋgetere muMŋeya Mutȿene, muɀiceŋgete muruɗo rwaMŋari, mucitarira ŋgoni dzaShe weɗu, Jesu Kristu, muʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Iʋai neŋgoni naʋamŋe ʋanenyunyuto, muʋaponese muciʋabvuta pamŋoto; ʋamŋe muʋe neŋgoni naʋo nokutya, muciʋeŋga kunyaŋge neŋguʋo yakaȿiɓiswa nenyama. Ɀino kunaiye unogona kukuceŋgetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubginya kwake musinacamuŋgapomerwa, mucifara kwaɀo, kunaMŋari iye mumŋe, Muponesi weɗu, naJesu Kristu, Ishe weɗu, ŋgakuʋe kubginya, noʋumambo, nesimba, noʋushe, ŋguʋa isati yaʋa’po, naɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Judha 1 SUB1949

Judha 1:17-25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Judha 1 SCLB